Chapter 21
1 Chirevo pamusoro peRenje riri pedyo neGungwa: Kufanana nechamupupuri chinovhuvhuta nomunyika yezasi, mupambi anouya achibva kurenje, kubva kunyika inotyisa.
2 Ndaratidzwa chiratidzo chinorwadza. Mupanduki anopanduka, muparadzi anotora zvokupamba Eramu, rwisa! Medhia, vandira! Ndichagumisa kugomera kwose kwaakaita kuti kuvepo.
3 Naizvozvo muviri wangu wakazara nokurwadziwa; marwadzo akandibata, kufanana nomukadzi ari kusununguka; ndiri kudzedzereka nezvandinonzwa, ndakanganisika nezvandinoona.
4 Mwoyo wangu woziya, kutya kwondidederesa; rubvunzavaeni rwandaishuva rwava chinyangadzo kwandiri.
5 Vanogadzira matafura, vanowaridza micheka pasi, vanodya, vanonwa! Simukai, imi machinda, zodzai nhoo!
6 Zvanzi naIshe kwandiri: "Endai, mundogadza nharirire uye muite kuti azivise zvaanoona.
7 Kana achiona ngoro namapoka amabhiza, navatasvi vari pamusoro pembongoro kana vatasvi vari pamusoro pengamera, ngaave akachenjera, akachenjera zvizere."
8 Ipapo nharirire yakadanidzira ichiti, "Zuva nezuva, tenzi wangu, ndinomira pamusoro peshongwe yomurindi; usiku hwoga hwoga ndinogara panzvimbo yangu.
9 Tarirai, hoyo murume ari kuuya ari mungoro neboka ramabhiza. Uye anopa mhinduro achiti, ‘Bhabhironi rawa, rawa! Zvifananidzo zvose zvavamwari varo zvaputsirwa pasi!’ "
10 Haiwa, vanhu vangu vapwanyirwa paburiro, ndinokuudzai zvandanzwa kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose, kubva kuna Mwari waIsraeri.
11 Chirevo pamusoro peDhuma: Mumwe anodana kwandiri ari kuSeiri, achiti, "Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku? Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?"
12 Nharirire inopindura ichiti, "Mambakwedza achauya, asi nousikuwo. Zvino kana uchida kubvunza, bvunza; uye ugodzokazve."
13 Chirevo pamusoro peArabhia: Imi ngoro dzavaDhedhani, munodzika misasa mumatenhere eArabhia,
14 vigirai vane nyota mvura; imi munogara muTema, uyai nezvokudya zvavanotiza.
15 Vari kutiza munondo, kubva kumunondo wavhomorwa, nokuuta hwawemburwa, uye nokupisa kwehondo.
16 Zvanzi naJehovha kwandiri: "Pachinguva chegore rimwe chete, sokuverenga kungaita mushandi akabatwa nechibvumirano, kuzvikudza kwose kweKedhari kuchapera.
17 Varume vouta vachapunyuka, ivo mhare dzeKedhari vachava vashoma." Jehovha, Mwari weIsraeri ataura.
