Mapisarema

Chapter 124

1 Israeri ngaati dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu,

2 dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu patakarwiswa navanhu,

3 apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu;

4 mafashamu angadai akatifukidza, mvura zhinji ingadai yakatikukura,

5 mvura zhinji ine hasha ingadai yakatirasira kure.

6 Jehovha ngaarumbidzwe, asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo.

7 Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi; rugombe rwadamburwa uye tapunyuka.

8 Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha, Muiti wedenga nenyika.