Mapisarema

Chapter 4

1 Ndipindurei pandinodana kwamuri, imi Mwari wangu makarurama. Ndisunungurei pakutambudzika kwangu; ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu.

2 Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko? Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko? Sera

3 Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda; Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari.

4 Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza; pamunenge muri pamibhedha yenyu, nzverai mwoyo yenyu uye munyarare. Sera

5 Ipai zvibayiro zvakarurama uye muvimbe naJehovha.

6 Vazhinji vanobvunza vachiti, "Ndianiko angatiratidza chakanaka?" Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha.

7 Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda.

8 Ndichavata pasi ndigokotsira norugare, nokuti imi moga, Jehovha, munoita kuti ndigare pakasimba.