Mapisarema

Chapter 67

1 Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera

2 kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose.

3 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.

4 Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera

5 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.

6 Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.

7 Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.